Svetuka kuchirochemo

Zerere

Kubva Wikipedia
muti ne sora re zerere

Zerere kana rumbihli (nge. green), ruvara rwokutanga, uye huri pakati peungu nehuroro pane nangazira inovonekwa. Zerere ndeumwe muvara wokutanga pamwechete ne mutsvuku ne muungu, unowedzerwa pakusanganisa kuti mamwe mavara agadzirwe. Nezvakakurakwazvo, ruvara rwe zerere runowanikwa muzvisikwa senge chimbishidza[C 1], nechemushonga inoshandiswa nemadzinde pachirukanerujeko ne kushandura chiedza chezuva kuita simba rechemushonga. Zvisikwa zvakawanda zvino shanduka kutora karuvara kezerere kenharaunda sokuita chihwandekumhene[C 2]. Michegwa yakawanda ine ruvara rwezerere, kusanganisira iyo murawudhi[C 3], inopihwa ruvara rwayo nechemo[C 4] chezerere nerhangi[C 5] rainaro.

Mune wongororo dzakaitwa muAmerika, Yuropu, uye nyika dzeUyisalama, zerere ndiro ruvara runowanzo batanidzwa nehunhu, hupenyu, hutano, uhwana, chitubu, tariro, negodo.[1] MuMubatanidzwa we Yuropu ne Amerika, zerere zvakare dzimwe nguva inosanganisirwa nehuturu uye hutano husina kunaka,[2] asi kuChayina nenzvimbo zhinji dze Ezhiya, masangano ayo akanaka kwazvo, sechiratidzo chekubereka uye mufaro.[1] Nekuda kwekudyidzana kwaro nemasikirwo, ihwo ruvara rwekufamba kwezvakatipoteredza. Mapato ezvematongerwo enyika anotsigira kuchengetedzwa kwezvakatipoteredza uye hutongi hwemagariro vanozvitsanangura pachavo sechikamu chezerere kufamba, vamwe vachizviti mapato ezerere.

Kutsika ye Chivanhu zita rokuti zerere rakabva pamamvere anowanikwa pamatombo emvura, uye nomusaka wekuzara weruvara urwu zvose nechiro charakatumidzwa zita chichitodza.

Zvinhu zvine ruvara rwezerere zvizere pasirose, zvichisanganisa mashizha emiti ne sora, ruzhinji rwemadzinde ose epanopasi anowanikwa aine ruvara rwezere.

Rimwe zita rinoshandiswa kudana ruvara urwu, nderwokuti「rumbihli」 kana「rumbishi」 zvichienderana nemutauri. Mavambo ezita iri anotodza ruvara rwemichero kana ichirimbishi, senge ndimu dzinowanikwa dziri zerere dzinozoshanduka kuvahuroro kana dzaibva.

Mavara mazerere

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Nangazira ye mavara e zerere.

Mhando dzeruvara rwe zerere dzinogona kusiyana mumarhangi ehyuu (hue chroma) zvichireva masimbiro kana kuzara kwe chiedza zve, kana kupenya kwe zvinhu zviviri kana zvitatu.

Ruvara Enzano Khodhi Chingezi[3] Vambo rezita
Zerere #008000 Green
Emurodhi #00573D Emerald green
#00A86B Jade green yu [chichayina] ok, bichwi [korean], gyoku; hisui [chijapani][4]
Puwa #DFFF00 Chartreuse
Orivhi #98BF64 Olive green
Pfumvudza #4F7942 fern/muddy-green
seji #B2AC88 sage green
zererena #90EE90 light green

Mhando dzeruvara rwezerere.

Zvinhu zve Zerere

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro ye Chibanthu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • MuChitsonga vanoti Ruhlaza vachireva Zerere.
  • MuChiswahili vanoti Kinjani vachireva iyo Zerere
  • Chixhosa neChizulu Zerere ndi Luhlala
  • MuChivhenda mudala zvinoreva kuti Zerere.[5]
  1. chlorophyll., kutodza 「rumbishi」rimwe zita rokuti zerere; chiro chimbishi chiro chinemuvara wezerere mumashure mekuibva.
  2. camouflage., kuChishona chamazuva ose tingati 「chihwandekumhene」 uye tichitodza Chindau tingati 「Chafihlakumhene, chafishakumhene 」. Mashoko aya avambwa achitodza chirevo cheshoko ririkuturikirwa ndikokusanganiswa kwemashoko okuti 'kuviga, kufisha, kuhwanda' ne 'mhene, jeka, vheneka'.
  3. emerald.,
  4. content., kureva 「chirochemo 」 kana 「chimo, chemo」 pakupfupisa.
  5. chromium., chroma...,

Mabviro eruzivo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  1. 1.0 1.1 Heller 2009, pp. 87–104.
  2. Heller 2009, pp. 96-97.
  3. enwiki: Shades of green
  4. enwiki: Jade
  5. smlwardafterall, 'Mavara eChivhenda' Intro to Tshivenda. Yakatariswa: 19 Chikumi 2021